Vanhu Voita Maonero Akasiyana PaMashoko Akaturwa NeMutungamiri weNyika

VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatura mashoko emamiriro akaita zvinhu munyika vachiti hurumende yavo iri mubishi rekugadzirisa nhuna dzevashandi vayo pamwe nehupfumi hwenyika, uho vanoti hwave kuita nani. Sachigaro weMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti zvataurwa naVaMnangagwa ndezve manyepo sezvo vakazvitaura kare asi hapana chakaitwa. VaDzvokora vati pavakatora hutungamiri, VaMnangagwa vakavimbisa nyika kuti vachapa vanhu rusununguko, kusanagnisa mvumo yekuratidzira, asi nhasi vanhu varikupfurwa nepfuti, vazhinji vachirohwa nekusungwa.

Vati hapana humbowo hwekuti nyaya yezvehupfumi yave kuita zvirinani sezvo nyika isina mabasa uye isina mari nanhasi wese.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTawanda Dzvokora

Asi sachigaro veZanu-PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira, vanorumbidza mashoko aVaMnangagwa vachiti hapana chavakavimbisa chavasina kuzadzikisa. VaCharumbira vati zviri pachena kuti, kunyange hazvo Zimbabwe yakatemerwa zvirango, zvinhu zvave kuita nani munyika. Vati hatifanirwi kukanganwa kuti VaMnangagwa vane zvinhu zvizhinji zvavari kugadzirisa zvavakawana zvisina kumira zvakanaka pavakatora hutungamiri kubva kuna VaRobert Mugabe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRegis Charumbira