Vari paMudyandigere Vononga Svosve neMuromo Asi Mari Dzavo Dziripo

  • Blessing Zulu

Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJapahet Moyo, vanoti vari kushushikana zvikuru nekunonga svosve nemuromo kuri kuita vamwe vari pamudyandigere nepamusoro pemari shoma dzavari kutambiriswa.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo Insurance and Pension Commission iri kutiwo pane vamwe vari pamudyandigere vanosvika zviuru zana nemakumi mashanu nezvitatu, kana kuti 153 000, vasina kutora mari dzavo dzemudyandigere.

Mari idzi dzinonzi dzave kusvika mamiriyoni zana nemakumi mapfumbamwe nematanhatu kana kuti 196 million.

Hurumende yakazivisa muna Chikunguru kuti kwemwedzi mitatu yaizopa vari pamudyandigere mari inosvika madhora makumi matatu ekuAmerica asi mari iyi yange ichinetsa kuwana kubva kumabhanga.

Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vanoti vakazotaura nevemabhanga kuti vari pamudyandigere vawane mari iyi.

VaMoyo vanotiudza maonero avo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo