Paramende Yovhurwa Nhengo dzeMDC Dzichiti Hadzina Chokwadi Kuti Dzichapinda Here

  • Blessing Zulu

Dzimwe nhengo dzeMDC dzinoti dziri kutya kuenda kudare reparamende dzichitya kunosungwa nenyaya yemhirizhonga yakaitika mazuva adarika.

Matare eparamande anoti reHouse of Assembly nereSenate ariri kuvhurwa neChipiri asi vanokokera nhengo dzebato reMDC mudare, VaProsper Mutseyami, vanoti havasi kuziva kuti nhengo dzavo dzichakwanisa kupinda mudare iri here kana kuti kwete sezvo vamwe vakasungwa uye vakawanda vachitsvagwa nemapurisa.

VaMutseyami vanoti vakatotuma mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda kuti vanotaura nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vaite kuti nhengo dzeMDC dziri muhusungwa dzisunungurwe.

Dare reSenate riri kutarisirwa kuzeya bhiri rebhajeti rakapasiswa neNational Assembly musi wa 20 Zvita gore rapera, uye reAppropriations and Finance.

Nyaya yekusagadzikana kwezvinhu munyika mauto nemapurisa achipomerwa mhosva yekuita vanhu kafiramberi iri kutarisirwawo kuzeyiwa panovhurwa dare iri sezvo nhengo dzedare reparamende dzichikwanisa kubvunza makurukota ehurumende zviri kuitika.

Dzimwe nhengo dzebato iri dzinonzi dziri kutsvagwa nemapurisa dzinosanganisira Muzvare Joana Mamombe, VaChalton Hwende, VaShakespear Mukoyi, pamwe nemutungamiri webato iri muparamende, Muzvare Tabitha Khumalo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaProsper Mutseyami