Dr Parirenyatwa Vokurudzira Vanhu Kuti Vaendese Mvura Yavanonwa Kuti Iongororwe

  • Blessing Zulu

VaDavid Parirenyatwa

Gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti vanhu vanofanira kungwarira mvura yavari kunwa uye vakatanga kunzwa kurwara, vanofanira kuenda kumakirinika kana zvipatara nechimbi chimbi.

Izvi zvinotevera mashoko ebazi reCivil Protection Unit ekuti matunhu anosvika matanhatu anogona kuwirwa nedambudziko remafashamu emvura.

Izvi zvinosanganisira nzvimbo dzakaita seMuzarabani neMbire ku Mashonaland Central, Gokwe North kuMidlands, Middle Sabi kuManicaland, Tsholotsho kuMatabeleland North, Beitbridge kuMatebelend South uye Chiredzi kuMasvingo.

Kunaya kwemvura uku kuri kutyirwa kuti kunogona kukonzera kupararira kwezvirwere zvakaita setyphoid iyo yakauraya vanhu vaviri muharare.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinotiwo Zimbabwe haina kunyatsogadzirira kupararira kwezvirwere sezvo muzvipatara musina mishonga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr David Parirenyatwa