Chii Chinoita Kuti Vakawanda Vanoshaira Kunze Kwenyika Vade Kuradzikwa Kumusha?

  • Jonga Kandemiiri

Nyanzvi yezvehutano hwepfungwa uye magariro evanhu, Doctor William Guri vanoti zviri kune zvizvarwa zvenyika dzakawanda zviri kunze kwenyika zvekuti zvovigwa kunyika kwazvigere here kana kuti kwazvinobva kana zvashaya.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kushaya zviri kunze kwenyika zviri kuzowanikwa zvichida kunoradzikwa kumusha kana zvichinge zvazoshaya.

Mhuri dzevafi dzakataura neStudio 7 dzine chitsama dzinoti dziri kutora matanho ekuendesa mitumbi kumusha senzira yekuzadzisa zvido zvevafi, vamwe vanenge vakasiya vataura kuti vanoda kunoradzikwa kumusha, kuchitiwo vamwe vanenge vachinzi vakasiya vanyora magwaro anotaura kwavanoda kuzoradzikwa.

Asi hurongwa hwakadai hakusi kuremedza mhuri yasara here kana vehukama, avo vachaunganidza mari dzinenge dzichidiwa kuendesa mutumbi kumusha?

Imwe nyanzvi yemagariro pamwe nehutano hwepfungwa, inoti zviri muvanhu vakawanda vanobuda kunze kwenyika kuti kana vakazoshaya vanoda kunovigwa kumusha kwavakabva.

Doctor William Guri, avo vanoshanda nevana vechikoro, vadzidzisi pamwe nevabereki muzvikoro zvekuEngland, vanoti havasi vari kunze kwenyika chete vanoda kunoradzikwa kumusha kana vachinge vashaya, asi kuti kana hama dziri kumusha dzinodisa kwazvo kuti hama inenge yatsakatikira kumarimuka idzoke kumusha izochengetedzwa pamwe nevamwe vehukama nedzinza.

Vanoti vanhu havafanirwe kukanganwa kuti vari kunze vakaenda kunoshava kana kuvhima, saka vanogarako vaine gadziriro yekuti nerimwe zuva vachadzokera kumusha.

Vanoti hazvisi zvizvarwa zveZimbabwe chete zviri kunze kwenyika zvinoda kunovigwa kumusha, asi kuti kana zvizvarwa zvedzimwe nyika zvakawanda zvinofira kunze zvinoda kunovigwa kunyika kwazvinobva.

"Hazvisi zvizvarwa zveZimbabwe chete zvinoda kunovigwa kumusha kana zvichinge zvashaya zviri kunze kwenyika. Vakawanda vari kunze kwenyika dzavo vanoda kuzovigwa kunyika dzavanobva kana vashaya vari kunze kwenyika dzavo."

Doctor Guri vanoti kunyange hazvo zvichidhurira vasara kuendesa mutumbi kumusha, hurongwa uhwu hunopa kugadzikana kune vehukama vasara, pamwewo nemufi, kuti aradzikwa kune vedzinza rake.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor William Guri