VaChamisa Vanoti MDC Alliance Hairamwire Munda kuMakudo

Nelson Chamisa At MDC Alliance Protest Harare

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vachapinda musarudzo dzesvondo rinouya kunyange hazvo vachigunun'una nemafambisirwo ari kuitwa sarudzo idzi nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House muHarare, VaChamisa vati vachapinda musarudzo dzemusi weMuvhuro kunyange komisheni inoona nezvesarudzo isina kugadzirisa nhuna dzavo.

VaChamisa nemubatanidzwa wavo veMDC Alliance vari kuda kuti vapihwe gwaro revavhoti rine mifananidzo yevanhu vakanyoresa kuvhota pamwe nekuti nekuti chimiro chebepa richashandiswa pakuvhota chichinjwe.

VaChamisa vatiwo kunyange hazvo hwaro hwesarudzo husina kugadziriswa zvakanaka pamberi pesarudzo idzi, vane chivimbo chekuti vachakunda musarudzo idzi.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaSydney Masamvu, vati VaChamisa pamwe neMDC Alliance vakaiswa panguva yakawomarara nekuramba kuri kuita Zec kugadzirisa nhuna dzavo pamwe nezviri kutarisirwa neveruzhinji avo vavanoti vari kuona sekuti sarudzo ndidzo chete dzinokwanisa kupedza nhamo yave kuita kuti vanhonge svosve nemuromo sezvo hupfumi hwenyika hwavakuita kunge juzi raTizirai rinoti uku riri kurukwa uku riri kurudunurwa.

Zvichakadai, vaimbova mutungamiri weGhana, VaJohn Dramani Mahama, avo vari kutungamirira chikwata cheCommonwealth chiri kuongorora sarudzo, vati Zec inofanira kutambirawo zvichemo zvemapato ose ari kukwikwidza yoedza kuzvigadzirisa sarudzo idzi dzisati dzaitwa kuitira kuti zvichabuda musarudzo zvitambirike.

VaMahama vaudza vatori venhau kuti Commonwealth ichatarisawo mafambisirwo achaitwa sarudzo dzemusi weMuvhuro kuti ione kuti Zimbabwe yodzoserwa here muCommonwealth kana kuti kwete.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi