VaChamisa Vanoti Vari Kukunda Zvine Mutsindo Musarudzo yeMutungamiri weNyika

  • Thomas Chiripasi

Opposition party supporters cheer opposition challenger Nelson Chamisa at a campaign rally in Bindura, Zimbabwe, July 27, 2018.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti havasi kufara nekutyisidzirwa kuri kuitwa vatsigiri vavo mudunhu reMashonalandCentral pamberi pesarudzo dzemusi weMuvhuro.

Vachitaura nevatsigiri vavo pamusangano waitirwa muChipadze Stadium muBindura, VaChamisa vati havasi kufara nekutyisidzirwa kuri kuitwa vatsigiri vavo nebato reZanu PF muMashonaland Central.

Zvisinei nekutyisidzirwa uku, VaChamisa vati vachakunda musarudzo dzemusi weMuvhuro vanhu vagove nerugare rwusingapere.

Asi gurukota rinoona nezvinoitika muMashonaland Central uye,vari nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaEngelbert Dinha, vati bato ravo rine rutsigiro rwakakura zvikuru mudunhu reMashonaland zvekuti hapana chikonzero chekuti vatyisidzire nhengo dzeMDC Allaince.

VaChamisa vatiwo vane rutsigiro rwakawanda kunyangwe nemubato riri kutonga sezvo vachiti veruzhinji vave kuda shanduko munyika.

VaChamisa vatiwo kunyange komisheni isina kugadzirisa nhuna dzavo, vachakunda musarudzo idzi zvine mutsindo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi