MDC-T Yoshora Mashoko aVaMudarikwa veZanu PF

  • Jonga Kandemiiri

Obert Gutu

Bato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti riri kushushikana zvikuru nemashoko anonzi akataurwa nemumiriri weUzumba muparamende, VaSimbaneuta Mudarikwa vebato reZanu PF, ekuti dunhu ravo harina nzvimbo yemapato anopikisa.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti mashoko aVaMudarikwa aya anokonzeresa mhirizhonga sezvo dunhu ravo reUzumba, kusanganisira Mashonaland East yose, ragara richizivikanwa nenyaya dzemhirizhonga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu

Vachitaura pamabiko ekupemberera kuparurwa kwehurongwa hwemadiridziro kuMudzi, VaMudarikwa vanonzi vakati bato ravo richawana mavhoti zviuru makumi masere mudunhu mavo, vakawedzera vachiti mapato anopikisa achangowana mavhoti ari pasi pemapepa ekuvhotesa akakanganiswa kana kuti ma spoilt ballot papers.

Asi VaMudarikwa varamba mashoko avari kupomerwa ekukurudzira mhirizhonga, vachiti bato reMDC-T ndiro rinotori pamberi panyaya dzemhirizhonga.

Vanotiwo pahuwandu hwemavhoti achawanikwa neZanu PF, vari kureva kuti vanhu mudunhu ravo vari kuberekana vachiwanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSimba Mudarikwa