MaMighty Warriors Osvika kuMusha

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zimbabwe Mighty Warriors

Chikwata chemaMighty Warriors icho chakakunda mitambo yayo yose kumaOlympics kuBrazil chakadzoka muZimbabwe nemusi weChishanu.

Chikwata ichi chainge chiri kuGroup F nenyika dzakaita seGermany, Australia neCanada.

Mamwe mashoko ati kutambira anoti chikwata ichi hachina kubatwa zvakanaka pachakasvika kumba. Asi hatina kukwanisa kubata vakuru veZIFA kuti tinzwe zvizere.

Mune imwe nyaya, mutuhwini ane mukurumbira Kirsty Coventry ari kutarisirwa kutihwina nhasi manheru mufinal yemumakwikwi e 200m backstroke.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Olympics Committee Muzvare Merit Munzwembiri vanoti vanhu vese vari muchikwata cheTeam Zimbabwe vachange vachitsigira Kirst pamakwikwi aya.

Muzvare Munzwembiri vanotiwo nemusi weChishanu pange pane mitambo yerowing apo zvizvarwa cheZimbabwe Micheen Thornycroft na Andrew Peeble zvakunda muzvikwata zvazvo. Asi vaviri ava havana kuwana mukana wekupinda pachikamu chekuwana menduru.

Thornycroft achange aine mamwe makwikwi neMugovera asi hana kukwanisa kupinda pachinhanho chinoita kuti awane menduru.

"Tiri kutarisira kuti Kirsty Coventry aite zvakanaka pamakwikwi aya uye kuti awane menduru. Tichange tichitsigirawo vamhanyi vedu mangwana apo vachatanga mijahwo yavo," Muzvare Munzwembiri vaudza Studio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaMuzvare Merit Munzwembiri