VaGutu Vanoti Ndivo Vachiri Mutauriri weMDC-T

VaObert Gutu

VaObert Gutu, avo vanoti ndivo mutauriri we MDC-T, kunyange hazvo bato ravo richiti rakambovamisa basa, vanoti vakarwiswa muBulawayo neSvondo nevanhu vanotsigira chikwata chiri mubato ravo, icho chiri kupikisa mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato, Doctor Thokozani Khupe.

Mhirizhoinga iyi yakaona vanhu vanodarika gumi nevashanu vachikuvadzwa, vamwe vakaendeswa kunorapwa kuzvipatara. Motokari dzakapwanywa nematombo pamwe nezvidhinha.

Mhirizhonga iyi yakazopera zvichitevera kusvika kwakaita mapurisa anodzivirira mvongamupopoto.

VaGutu vanoti ivo nevamwe vavo vanosanganisira Muzvare Khupe, havana kuenda kumusangano wekuChinhoyi weMDC Alliance nekuti vakange vane musangano wavo weMDC-T kuBulawayo wekuzeya zviri kunetsa mubato iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu