Vakoti neHurumende Vanotadza Kuwirirana paMazuva Anofanirwa Kushandwa neVakoti

  • Jonga Kandemiiri

Vakoti vanoti havachakwanisa kuramba vachienda kubasa mazuva mashanu pasvondo sezvo vasisina mari dzekufambisa.

Masangano anomirira vashandi vebazi rezvehutano asangana nevamiriri veHealth Service Board kuti vazeye nyaya yemashandiro evashandi, zvikuru vakoti, avo vakanga vazivisa hurumende kuti havakwanise kushanda mazuva mashanu pasvondo asi kushanda mazuva maviri chete.

Svondo rapera hurumende inonzi yakanyorera vashandi vezvehutano tsamba ichivazivisa kuti vanofanirwa kushanda mazuva mashanu pasvondo, izvo zvavari kuramba vachiti havana mari nezvikwanisiro zvinoita kuti vaende kubasa svondo rose, uyewo nepamusana pedambudziko reCovid-19.

Mutungamiri wesangano revakoti, reZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vanoti musangano wavaita uyu hauna chawaburitsa sezvo hurumende yauya iine danho rekuti vashandi vanofanirwa kushanda mazuva mashanu pasvondo zvisineyi nemamiriro akaita zvinhu.

VaDongo vanoti izvi zvaitika kunyange hazvo mamwe masangano ose evashandi anga ari mumusangano uyu awirirana nesangano ravo kuti vashandi havakwanise kushanda mazuva mashanu pasvondo.

Vamwe vakoti vatiwo hurumende yave kushandisa chisimba kuburukidza nekutyisidzira vakoti vanenge vasina kudzokera kumabasa vachishanda mazuva ose.

Studio7 yakundikana kunzwa divi reHealth Service Board panyaya iyi.

Asi VaDongo vanoti sesangano, vave kudzokera kunhengo dzavo kuti vanzwe kuti dzinoti kudii nedanho rehurumende iri.

Vakoti vakaramwa mabasa kwemazuva anokwana makumi masere gore rino vakazodzokera kubasa vachiti vari kuda kumbopa nhaurirano mukana mushure mekugadzwa kwakaitwa VaConstantino Chiwenga segurukota rezvehutano.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEnock Dongo