Korona yeMinzwa Yakapfekedzwa Jesu Pakuroverwa Inopona muMoto weNotre Dame

  • Jonga Kandemiiri

Father William Guri veRoman Catholic Church.

Kunyange hazvo moto mukuru kwazvo wakaparadza denga rechivakwa chechechi yeRoman Catholic yeNotre Dame iri muParis, kuFrance neMuvhuro usiku, vakawanda kusanganisira chizvarwa cheZimbabwe chinopinda kereke yeRoman Catholic Church, Father William Guri, vanoti vanoshamisika kuti hapana hupenyu hwakarasika.

Father Guri, avo vari muAnnapolis, mudunhu reMaryland, muno muAmerica, vanotiwo zvinoshamisawo kwazvo kuti zvichengetwa zvinokosha zvakawanda zvaive muchivakwa chine mukurumbira pasi rose ichi, icho chave nemakore anodarika mazana masere nemakumi mashanu chavakwa, zvakanunurwa kubva kumoto uyu.

Zvimwe zvinokosha zvavanoti zvakanunurwa mumoto uyu, zvinosanganisira korona yeminzwa inonzi ndiyo yakanga yakapfekedzwa naIshe Jesu Kristu panguva yavakaroverwa, uye mapfupa eVaSande vanokosha munhoroondo vechitendero ichi, ayo aichengeterwawo mukereke iyi.

Zvimwe zvavanoti zvakakwanisa kununurwa nevaidzimura moto uyu zvipendwa pamwe nemifananidzo zvine nhoroondo dzakasiyanasiyana.

Mutungamiri weFrance, VaEmmanuel Macron, vakazivisa kuti vachaona kuti chivakwa ichi chavakwa pakare mukati memakore mashanu, izvo zvinotsinhirwawo naFather Guri, avo vanoti hazvitadzike nekuti pane vanhu vakawanda vari kubatsira nemari yekuti basa iri riitwe nekukasika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naFather William Guri