Zimbabwe Haisati Yavhura Mabhodha Ayo?

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe Passport

Vamiriri vehurumende kumuganho weBeitbridge neSouth Africa vanonzi nezuro vakazivisa kuti nyika haisi kuzovhura miganho yayo nhasi, zuva riri kuvhurwawo miganho yenyika yeSouth Africa, sezvanga zvakatarisirwa nevakawana.

Mutungamiri wesangano revanotenga nekutengesa kunze kwenyika, reInternational Cross-Border Traders Associationa, VaDenis Juru, vanoti vakaudzwa nezvedanho iri nezuro pamusangano wavakaita nevamiriri ava.

South Africa inonzi yakazivisa kuti yaizovhura miganho yayo nhasi, izvo zvakapawo vana veZimbabwe tarisiro yekuti nyika yavo yaizoitawo zvimwechete.

Asi hurumende yeZimbabwe yakagara yazivisa zvayo kare kuti yaizovhura chete nhandare dzendege musi wa 01 Gumiguru, unove nhasi.

Miganho pamwe nenhandare dzendege zvakavharwa muna Kurume senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kanawo munyori mubazi ravo, VaNick Mangwana, kunyange hazvo nharembozha yavo yanga ichirira.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vatiwo vanga vasati vanzwa nezvenyaya iyi.

Ngatinzweyi hurukuro yaitwa naJonga Kandemiiri weStudio 7 naVaJuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDennis Juru