Dare reNomination Court Rotarisirwa Kugara Mangwana Kutambira Mapepa eVachakwikwidza muSarudzo yeBy-Election

  • Jonga Kandemiiri

Matare eNomination Court ari kutarisirwa kugara munyika kutambira mapepa evachda kukwikwidza musarudzo ye by-election ichaitwa musi waKurume 26, 2022.

Dare reNomination Court riri kutarisirwa kugara neChitatu munyika yose kuti ritambire kana kuramba mapepa evanhu vachada kukwikwidza musarudzo dzema by-election dzichaitwa musi wa 26 Kurume gore rino.

Nyanzvi mune zvesarudzo vachiona nezvezvirongwa musangano reElections Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vanoti zviri kutarisirwa kuitwa nedare iri zviri mubumbiro remitemo.

Dare reNomination Court richagara muHarare, Bulawayo, Gweru, Mutare neMsvingo kuitira kupa mukana kumatunhu ose emunyika.

Vanoda kukwikwidza vanonzi vanotarisirwa kunge vaine zvose zvinodiwa kuti munhu akwikwidze musarudzo dzemunyika zvakaita semagwaro ekuberekwa, zvitupa, mifananidzo yavo, masiginicha evanhu vanovatsigira, tsamba dzinobva kumapato avachange vachimirira kana vachikwikwidza vari pasi pemapato uyewo mari inodiwa pakunyoresa.

Kune zvigaro zveparamende makumi maviri nezvisere nezana nezvishanu zvemakanzuru zvichakwikwidzwa musarudzo iyi.

VaBobosibunu vanoti sangano ravo reElections Resource Centre richange richitumirawo vachaongorora mafambisirwo ehurongwa uhwu kumatunhu ose achange achigarwa nematare aya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSolomon Bobosibunu