Zimbabwe Inonzi Inofanira Kudzidza Zvakawanda Kubva Musarudzo dzemuAmerica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Amai Hillary Clinton naVaDonald Trump

Sarudzo dzemuZimbabwe dzagara dzichiita mutauro wakanyanya zvakazopa kuti nyika itemerwe zvirango nenyika dzekumawirira neAmerica.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinoti zviri kuteverawo sarudzo dzekutsvaga achamirira bato remaDemocrats nemaRepublicans musarudzo dzemutungamiri wenyika dzichaitwa muna Mbudzi.

Vari kukwikwidza mumakwikwi aya vakamirira bato remaRepublicans vanosanganisira muzvinabhizimisi VaDonald Trump VaJohn Kasich, Senata vekuTexas VaTed Cruz, Seneta veku Florida VaMarco Rubio nevaimbove Seneta veFlorida VaJed Bush.

Kuma Democrats VaBernie Sanders vari kukwikwidzana nemudzimai wevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaBill Clinton, amai Hillary Clinton.

Chimwe chizvare cheZimbabwe chinogara muAmerica, Doctor Moses Rumano vanove sachigaro vebazi rezvedzidzo paMalone University kuOhio vanoti zvizhinji zvinogona kudzidzwa neZimbabwe pakuita sarudzo dzisina mutauro.

"Zimbabwe inokwanisa kudzidza kuti sarudzo dzinokwanisa kuitwa murunyararo uye veruzhinji vachipihwa mukana wekusarudza wavanoda kuvhotera pasina kutyisidzirwa kana kushungurudzwa sezviri kuitwa kuNew Hampshire," Dr Rumano vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye we Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaDr Moses Rumano

Sarudzo dzemuZimbabwe dzagara dzichiita mutauro wakanyanya zvakazopa kuti nyika itemerwe zvirango nenyika dzekumawirira neAmerica.