Zimbabwe neSouth Africa neChishanu dzakanyorerana pasi chibvumirano chekuchengetedza mabhizimisi pamwe nekuvandudza mabasa ekutengeserana pakati penyika mbiri idzi.
Chibvumirano ichi chinonzi Bilateral Investment Promotion and Protection Plan Agreement, kana kuti BIPPA.
Gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, avo vanga vakamirira hurumende, vanoti vafara zvikuru nechibvumirano ichi sezvo chazarura musuwo wekuti Zimbabwe idyidzane nenyika dzakawanda.
VaMangoma vatiwo chibvumirano chavanyorerana neSouth Africa, hachivhiringi zvimwe zvinhu zvakaitwa chisati chavepo.
VaMangoma vatiwo Zimbabwe pari zvino haifunge kuti mutongo weSADC Tribunal wekuti kutorwa kwemapurazi kwaisave pamutemo, uchakanganisa chibvumirano ichi.
VaMangoma vanoti SADC Tribunal haisati yanyatsotambirwa nenyika dzose kuitira kuti mitongo yayo isungirwe nyika dzose kuti dziiremekedze.
Gweta uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaDewa Mavhinga, vanotiwo mashoko aVaMangoma ekuti havacherechedze SADC Tribunal semamiriro ayakaita iko zvino, anoshamisa zvikuru, sezvo bato ravo reMDC, rakatobuda pachena richiti mutongo weSADC Tribunal unofanira kutevedzerwa.