Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika dzemuSADC inonzi iri kuita hurukuro neRussia kuti ivake pombi yekutakura mafuta ekufambisa dzimotokari.
Mari yehurongwa uhu inonzi inogona kusvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica.
Dzimwe nyika dziri muhurongwa uhu dzinoti Mozambique, Zambia neBotswana.
Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto VaFortune Chasi vanoti pane hurongwa hwekuvaka pombi iyi pasi peSADC asi varamba kutaura kuti Russia irimo here muhurongwa hwacho vachiti kungava kukurumidza kumedza kutsenga kuchada.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaFortune Chasi
Asi mutevedzeri webato rinopikisa reMDC VaTendai Biti vati uku kupedzera miseve pazvidhidhi idzo hanga dzichahuya.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTendai Biti