Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa Votarisirwa Kukumikidza Chivezwa chaMbuya Nehanda

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kukumikidza zviri pamutemo chivezwa chaAmbuya Nehanda, icho chatove panzvimbo pachinofanirwa kugadzikwamuHarare.

VaMnangagwa vakazivisa kuti izvi zvaizoitwa pazuva reAfrica Day, uye chiitiko ichi chiri kuuyawo mushure mevhiki rekucherechedza tsika nemagariro evanhu muZimbabwe, kana kuti Culture Week.

Iri isvondo rakatarwa neNational Arts Council of Zimbabwe mukucherechedza tsika zvichitevera kudomwa kwakaitwa 21 Chivabvu gore roga-roga ne UNESCO sezuva rekucherechedza kusiyana kwetsika pasi rose, kana kuti World Day for Cultural Diversity for Dialogue and Development.

Vaimbowe mukuru weNational Arts Council of Zimbabwe, VaElvasi Mari, vanoti nyaya yekuveza zvinhu zvinozosara zvichitaridza kuti pane imwe nguva sevanhu taive tiri pachidanho ichi zvakakosha zvikuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaElvas Mari