Muimbi Akashanda naMtukudzi kweNguva Ndefu, Mary Bell, Oshushikana neKushaya kwaTuku

  • Jonga Kandemiiri

Muimbi Mary Bell aina Oliver Tuku Mtukudzi pane rimwe remapira avakaita vachiri kuimba pamwechete. Bell anoti ari kutadza kutambira kuti Mtukudzi akashaya.

Mumwe wevaimbi vakashanda naOliver Mtukudzi kwenguva ndefu kwazvo, Mary Bell, anoti achiri kuramba kutambira kuti Oliver Mtukudzi akashaya.

Bell, uyo akashanda naMtukudzi kubva kuma1990, anoti ari kuramba achitarisa pamadandemutande akaita seFaceBook, Twitter, pamwe neWhatsApp aine tarisiro yekuti zvimwe achaonawo kana vhidhiyo zvayo, Tuku, sekuzivikanwa kwainyanyoitwa Mtukudzi, achiramba kuti ashaya.

Anoti anonyanyorwadziwa zvikuru nekushaya kwenyanzvi yemusambo weKatekwe iyi nekuda kwekuti Mtukudzi aimutora semwanasikana wake, uye aive munhu aizvininipisa zvakanyanya kunyange hazvo aive nemukurumbira pasi rose.

"Ndingati munhu uya anga akazvininipisa. Very humble, very down to earth to a point yekuti dzimweni dzenguva waizvibvunza kuti aah! Munhu uyu anonzi superstar, munhu uyu ari legend sezvaari, but kuzvitakura kwavaizviita vaingozvininipisa, you know. So, zviri kurwadza," anodaro Bell.

Anoti akatanga kushanda naTuku munguva yakaita mukurumbira dambarefu rake rine kambo "Dzoka Uyamwe", ako kanonyanyonzi nevakawanda "Dande", uye vakatanga kutenderera nenyika pamwe nekuenda mhiri kwemakungwa kunotandadza vanhu.

"Baba Mtukudzi pandakatanga kushanda navo inini ndipo pakaita mukurumbira we album yaDande, tichibva tatanga kufamba munzvimbo dzakasiyanasiyana, ma tours, tichiimba navo, ende ndakadzidza zvakawanda kubva kwavari."

Bell anoti mashoko aanosvitsa kuna Mai Daisy Mtukudzi nemhuri yose ndeekuti vacheme vaine tariro. Anoti haakwanise kana kuti atsanangure kurwadziwa kwaanoziva kuri kuita Mai Mtukudzi pane ino nguva nemaziviro aanoita kuti vaidana sei nemurume wavo.

Tuku akashaya nemusi weChitatu kuAvenues Clinic muHarare mushure mekunetsekana nechirwere cheshuga kwenguva ndefu. Anga ave nemakore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMary Bell