Charles Manyuchi Ochema Muhammad Ali Uyo Acharadzikwa neChishanu

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Shasha yetsiva munyika Charles Manyuchi anoti Muhammad Ali, uyo akashaya nemusi weChishanu kuArizona muAamerica igamba rake munyaya dzemutambo wetsiva.

Mutumbi waAli wakasvika munzvimbo yaakaberekerwa yeLouisville, Kentucky nemusi weSvondo. Ali akashaya ave nemakore makumi manomwe nemana uye ari kutarisirwa kuvigwa kuCave Hill, Louisville kwekare nemusi weChishanu.

Imba yakakurira Muhammad Ali kuKentucky

Ali ange arwara kwenguva yakareba nechirwere cheParkinson’s disease. Mufi akarwa tsiva kubva muna 1960 kusvika muna 1981 uye pamitambo makumi mashanu nemitanhatu akakundwa mishanu chete.

Panguva iyi, Ali akatora bhande reHeavyweight katatu.

Manyuchi uyo ane bhande reWBO Silver akaudza Studio 7 kuti kushaya kwaAli kwasiya gwanza risingakwanise kuvharika sezvo akaita kuti ruzhinji rwevanhu rwufarire mutambo wetsviva. "Murume ange ane hunyanzvi uyu, baba vangu vaitambawo tsiva vaimufarira ini ndaimuremekedza sezvo ariiye akaita kuti ndisimbe mumutambo uyu." akadaro Manyuchi.

VaBarack Obama nemufananidzo waMuhammad Ali

Akaenderera mberi achiti, "Muhammad Ali aizivikanwa nekutaura kuti - float like a butterfly and sting like a bee," ini ndinozivikanwa sa busy bee sezita rangu manyuchi saka ndinonzwa kufara kuti mbande rangu iri rakamborwirwawo naMuhammad Ali nekuti rinemufanikiso wake uye ndiyo category yaiirirwa, ndarwadziwa asi ndicharamba ndichishandisa hunyanzvi hwandakawana mukuburikidza naMuhammed Ali,"

Vatungamiri venyika dzakawanda kusanganisawo vaimbove mutungamiri weAmerica VaBill Clinton nevamwe vatungamiri vedzimwe nyika vari kutarisirwa kunge vari parufu urwu. Vanhu vakawanda vari kuendesa vari kutarisirwa kuti vange vachionekana naAli nemusi weChishanu uyu. Migwagwa iri kutarisirwa kunge yakazara zvakanyanya.

Ali naVaClinton

Mhuri yaAli yati panozopedza vanhu vose kuchema nekuonekana nemufi vachazoenda voga semhuri kuenda kunoradzika mufi. Mutauriri wemhuri, VaBob Gunnell vanoti kuradzikwa kwaAli kwainge kwakarongwa makore apfuurta zvichienderana nezvido zvemufi. Anonzi aida kuti kuchemwa kwake kunge kuchifanira kuuyiwa nemunhu wose hake anoda.

Ali akaberekwa achinzi Cassius Marcellus Clay Jr. muna 1942 asi akazochinja zuva iri mushure mekutendeuka kubva kuve muKristo achiita muMoslem. Akakwanisawo kuhwina menduru yegoridhe muchikamu che light heavy weight mushure mekukunda Zbigniew Pietrkowski weku Poland.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaCharles Manyuchi