Vakawanda Voshora VaMugabe Zvichitevera Kupa Kwavakaita AU Mari

  • Thomas Chiripasi

Zimbabwe Independence Celebrations

Veruzhinji vanoti havasi kufara nekupa African Union mari inoita miriyoni yemadhora kwakaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMuvhuro panguva iyo mari iri kunetsa munyika.

VaMugabe neMuvhuro vakapa sangano remubatanidzwa wenyika dziri muAfrica yose reAfrican Union, kana kuti AU, mari inoita miriyoni remadhora ichashandiswa nesangano iri mukuita basa raro zvichitevera kutengeswa kwakaitwa mombe munyika kuti mari iyi iwunganidzwe.

Asi veruzhinji vakaita saVaCharles Gwata avo vanogara mumusha weMabelreign vanoti zvanga zvisingakodzere kuti VaMugabe vape AU mari yakawanda kudai veruzhinji vachinhonga svosve nemuromo munyika.

VaGwata vati dai mari yakaiswa mumabhanga umo muri kushaikwa mari zuva-nezuva zvaizobatsira kuti vanhu vasarare mumitsetse yekumabhanga vachitsvaga mari.

Zvataurwa naVaGwata zvatsinhirwa naVaTongai Mungwena vanogara mumusha weMarlborough avo vati VaMugabe vanoziva kuti Zimbabwe haisi kuzoita sarudzo dziri pachena gore rinouya, nokudaro vave kuda kugara vakatsindira mwena wemashingishingi.

Asi Amai Beulah Masunda avo vanogara mumusha weDzivarasekwa muno muHarare vaudza Studio 7 kuti danho rakatorwa naVaMugabe idanho rakanaka chose.

Amai Masunda vati Zimbabwe inofanira kugara ichidyidzana zvakanaka nenyika dziri musangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica re SADC pamwe chete neAU kuitira kuti igozobatsirwawo painenge yave kuda rubatrsiro sezvo VaMugabe vasingakwanise kudyidzana nenyika dziri kumavirira nepamusana pezvirango zvavakatemerwa.

Zvataurwa naAmai Masunda zvatsinhirwa naVaCampion Ngorima vanogara mumusha weAvonlea muno muHarare.

VaNgorima vati VaMugabe munhuwo anofanira kugara aine zita rakanaka kumadzisahwira avo emuAfrica.

Asi VaFrancis Sibanda vanogara muHaig Park muHarare vapokana nezvataurwa naAmai Masunda naVaNgorima vachiti Zimbabwe inyika isingakoshese masangano ekunze anoibatsira vachiti zvakaitwa naVaMugabe izvi zvakafanana naamai vanogovera muvakidzani hupfu hwese mhuri yavo yosara ichiziya nenzara.

VaMugabe, avo vaimbove sachigaro weAfrican Union, vakaudza musangano weAU uri kupindwa muguta guru reEthiopia reAddis Ababa nezuro kuti vakawana rubatsiro rwemombe idzi kubva kunhengo dzebato ravo reZanu PF pamwe neveruzhinji idzo dzakazotengeswa kuti mari iyi izovepo.

Kunyange hazvo pasina kutaurwa kuti mombe chaidzo dzakatengeswa kuti mari iwanikwe ingani, gurukota rinowona nezvinoitika kunze kwenyika, VaSimabarashe Mumbengegwi, vakaudza bepanhau reHerald kuti mombe dzakatengeswa idzi zviuru nezviuru.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti mombe zhinji dzakabviswa idzi imombe dzakatorerwa varimi vachena panguva yakabvutwa mapurazi avo varimi ava vakabuda mumapurazi avo vasina chavakabata.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi