Mutungamiri webato reZanu-PF, VaRobert Mugabe, vaudza weCentral Committee yebato ravo neChitatu kuti vave kunetsaka zvikuru nekuramba vanhu vachidzingana mubato ravo.
VaMugabe, avo vanova mutungamiri wenyika, vakurudzira kuti vanhu vataurirane mubato pane kuswera vachidzingana.
Izvi zvinotevera kurudziro inonzi iri kuitwa nechikwata cheZanu-PF chinonzi Generation 40 icho chinonzi chinosanganisirawo mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, icho chinonzi chiri kudzinga nhengo dzebato dzinonzi dziri kutsigira vechimwe chikwata chinonzi chiri kutungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mashoko aVaMugabe anotevera kurudziro yekuti mutauriri weWomen’s League, Amai Monica Mutsvangwa, uye vanoona nezvemabasa, Amai Esphina Nhari, vadzingwe mubato vachinzi vari kuzvidza vakuru vebato kunyanya Amai Mugabe.
Pane dzimwe nhengo dzebato kuMashonaland Central dziri kudawo kudzingwa mubato.
Mamwe matunhu mubato uye madzimai anoti ave kuda kuti vadzokere kubumbiro rakare rekuti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato ave munhukadzi.
Chigaro ichi chaiva chaAmai Joice Mujuru avo vakadzingwa mubato zvose nemuhurumende.
VaMugabe vari kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo musangano webato ravo wepagore kuVictoria Falls neChishanu.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri webato reZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, avo vange vachiri mumusangano weCentral Committee.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru we Zimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti havashamiswe nekunyarara kwaVaMnangagwa vanhu vavo vachitambiswa chamutavanhava.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya