Zvotosvorana muZanu PF Zvichitevera Maitiro aVaMudede

  • Blessing Zulu

Tobaiwa Mudede

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemitemo uye vachimirira Zvimba West muparamende, VaZiyambi Ziyambi, vanoti mabharani mukuru wehurumende, kana kuti Registrar General, VaTobaiwa Mudede, ndivo vari kutadzisa vana kunyaya vane vabereki vakafa munguya yegukurahundi kuwana magwaro avo ekuberekwa kana kuti birth certificates.

Izvi zvinotevera kugunun’una kwakanyanya kwevanhu zvikuru vari kuMatabelaland vanoti vave nemakore akawanda vachitadza kuwana magwaro aya.

Nyaya iyi iri kusimukawo apo nyika iri kuzeya bhiri remutemo wekuregererana kana kuti national reconciliation bill.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC-T vachimirira Bulawayo East mudare reparamende, Muzvare Thabita Khumalo, vanoti vanhu vakuMatabeleland vari kunetsekana zvikuru kuti vawane magwara ekuberekwa kwavo.

Asi VaZiyambi vanoti mutemo wakajeka pakubatsira vose vasina vabereki kuti vawane magwaro ekuzvarwa kwavo.

VaZiyambi vanotiwo munhu anenge atadziswa kuwana magwaro aya anofanirwa kuenda kuhurumende osvitsa chichemo chake achinongedzamunhu anenge amutadzisa kuwana magwaro ake kuitira kuti paonekwe anenge achitadza kuita basa rake.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaZiyambi Ziyambi naMuzvare Thabita Khumalo