VaMnangangwa naVaMphoko Vokandirana Makobvu neMatete

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe, VaPhelekezela Mphoko naVaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakadzoka munyika nemusi weChitatu, asi sezvavakaita vachibva kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York, vakasvikotambirwa nematambudziko akatarisana nenyika mubato ravo reZanu-PF.

Pane kunetsana kunotyisa pakati pevatevedzeri vavo vaviri VaPhelekezela Mphoko naVaEmmerson Mnangagwa.

Vachitaura panyaradzo yaAmai Shuvai Mahofa nemusi weMugovera kwaGutu kuMasvingo, VaMnangagwa vanonzi vakati vainge vaisirwa muchetura sezvakaitwa muchakabvu.

Mashoko aya anopesana zvachose nezvakataurwa naVaMugabe zvekuti chiremba waVaMnangagwa ainge ati vainge vangorwara havo.

VaMphoko avo vanonzi vanotsigira chikwata cheGeneration 40 chiri kukwikwidzana necheTeam Lacoste vakabva vanyora tsamba neChipiri vachiti zvinoshamisa kuti VaMnangagwa vari kuti vainge vaisirwa muchetura ivo vakamboramba kuti izvi zvakaitika mumusangano weZanu-PF Central Committee musi wa 8 Gunyana.

Izvi zvinotevera mashoko akadai muPolitburo yeZanu-PF. Hatina kukwanisa kubata VaMphoko kana VaMnangagwa kuti tinzwe mativi avo.

Asi vakawanda vari pedyo naVaMnangagwa vaudza Studio 7 kuti vanofungidzira kuti muchetura wakapihwa VaMnangagwa wakabva kuRussia. Vatiwo VaMphoko havafanire kutaura kunge ndivo chiremba waVaMnangagwa.

Mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio7 kuti havasati vaverenga mashoko aVaMnangagwa naVaMphoko asi varamba kuti bato iri rinogona kupatsanuka nepakati.

Gurukota rinoona nezvevechidiki vari muzukuru waVaMugabe, VaPatrick Zhuwao, vati vari kushamisika zvikuru nemashoko aVaMnangagwa aya asi vakati rina manyanga hariputirwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPatrick Zhuwao

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti mubato reZanu-PF mapindwa napongwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoy Mabenge