Muzvare Joanna Mamombe Vanovharirwa kuChikurubi

Muzvare Joanna Mamombe

Vanomiririra Harare West mudare reparamende, Muzvare Joanna Mamombe veMDC nhasi vavharirwa mujere reChikurubi Remand kusvika musi kwavo musi wa 19 Kurume apo vachanotongwa.

Muzvare Mamombe vakasungwa kuNyanga nemusi weMugovera mangwanani vachipomerwa mhosva yekuedza kufurira vanhu kuti vapidugure hurumende zvisiri pamutemo. Asiri vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

Bato reMDC rinoti nhengo dzaro dzeparamende dzine nyaya iri mumaoko emapurisa dzinopfuura gumi.

Imwe nhengo yeparamende inomiririra Chitungwiza North, VaGodfrey Sithole, vaburitswa muhusungwa vakapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure memazuva vakavharirwa.

Gweta raMuzvare Mamombe, VaObey Shava, vaudza Studio 7 kuti chavanoda kutanga kuita ndechekuti Muzvare Mamombe vapiwe mukana wekubisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Naizvozvo, VaShava vanoti mangwanani makuseni, vanenge vari kudare guru redzimhosva nemapepa ekuti Muzvare Mamombe vapiwe mukana wekubisa mari yechibatiso.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObey Shava