VaDhlakama Vorangarirwa muMozambique

VaDhlakama (kurudyi) nevaimbove mutungamiri weMozambique, VaArnando Guebuza

Mutungamiri weMozambique, VaFilipe Nyusi, vanoti rufu rwemutungamiri we Renamo, VaAfonso Dhlakama, rwauya panguva isina kunakira nyika yavo nokuti VaDhlakama vanga vachishanda zvakanaka nehurumende mukuunza runyararo munyika iyi.

VaNyusi vati vanovimba kuti vanhu vemunyika mavo vachakwanisa kuramba vachiita zvese zvavanogona kuitira kuti zvinhu zvirambe zvichiita nani.

VaDhlakama vakashaya neChina nechirwere chemoyo asi vamwe vachiti vakafa nechirwere cheshuga.

VaNyusi vati pakashaya VaDhlakama, hurumende yakange iri pakati pekuronga kuti VaDhlakama vaende mhiri kwemakungwa kunorapwwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere