VaMnangagwa Vanoenda kuMhemberero dzeKugadzwa kweMutungamiri weMozambique

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vambosiya zvakare zororo vachienda kuMozambique.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vambosendeka zvakare zororo ravo neChipiri apo vabuda munyika vakananga kuMozambique kunopemberera kugadzwa kwemutungamiri wenyika iyi, VaFilipe Nyusi, avo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaMnangagwa ndemumwe wevatungamiri vedzimwe nyika gumi nembiri vari kutarisirwa kunge vari muMaputo kumabiko aya, ayo ari kuitwa nemusi weChitatu.

VaNyusi vari kugadzwa semutungamiri weMozambique kechipiri zvichitevera kukunda kwavakaita musarudzo dzakaitwa munyika iyi gore rapera.

Aka kave kechitatu VaMnangagwa, avo vari pazororo remasvondo matatu, vachimbosiya zororo ravo vachienda kunoita basa remutungamiri wenyika kunyange hazvo mumwe wevatewedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga, vari ivo vakafanobata matomu.

Svondo rapera VaMnangagwa vakadimura zvakare zororo ravo vachinosangana nenhengo dzekomiti yavanachipangamazano vavo yePresidential Advisory Council.

NeMuvhuro svondo rino, mutungamiri wenyika vakabva zvakare pazororo ravo vachinosangana negurukota rekuChina rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaWang Yi, avo vakanga vari munyika kwemazuva matatu.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti VaMnangagwa vagara vachizivikanwa kuti munhu anoda kushandira vana veZimbabwe, nekudaro havaoni kukosha kwezororo kana paine basa rekuita.

Panyaya yekuti VaMnangagwa vari kusiya zororo ipo paina VaChiwenga vakafanobata matomu, Amai Mutsvangwa vanoti zvakakosha zvikuru kuti semumwe wevatungamiri venyika dziri muSADC vange vari pamabiko aya sezvo Zimbabwe iine hukama hwakasimba nenyika dzemudunhu reSADC.

VaMnangagwa ndivo sachigaro vebandiko rinoona nezvekugadzikana kwezvinhu kana kuti Organ on Politics, Defense and Security musangano reSADC pari zvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa