Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanosangana neveMabhizimusi

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vasangana nevemabhizimusi kuti vazeye nezvemamiriro ezvinhu munyaya dzezveupfumi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vasangana nevemabhizimusi vachivatsanangurira nezvematanho ari kutorwa nehurumende yavo pakugadzirisa upfumi hwenyika.

VaMnangagwa vanonzi vavimbisa vemabhizimusi kuti vapinda mumusangano uyu kuti nyika icharamba ichishandisa mari dzekunze, uyewo maReal Time Gross Settlement kana kuti RTGS nema bond note akakodzera kushandiswa semari, vachiti hapana chingaita kuti vanhu vade kuachinjanisa nemari yeku America.

VaMnangagwa vanonzi vayambirawo vemabhizimusi vanonzi vari kuchengeta zvigadzirwa zvavo vasingatengesere vezvitoro vachitarisira kuti mitengo ichakwira.

Vanonzi vachemawo nekukwira kwemitengo yembeu yechibage, vakakurudziarwo vezvitoro kuti vaone kuti mitengo iyi yatarisiswa zvakare.

Asi dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti matanho ehurumende yaVaMnangagwa anogona kukanganisa mafambiro ezvinhu mune zveupfumi, sezvo achionekwa sekupindira mukutarwa kwemitengo yezvinhu.

Vamwe vemabhizimusi vanyunyutawo kuti vakasiiwa pakakokwa mamwe masangano evemabhizimusi kumusangano uyu.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, avo vanove mumwe wevemabhizimusi vapinda mumusangano uyu, vanoti musangano uyu wanga wakakoshera vemabhizimusi zvikuru sezvo zvaitika izvi zviri zvinhu zvisati zvamboitika kune vakawanda zvekuti mutungamiri wenyika anosangana nevo achinzwawo pfungwa dzavo.

VaMutashu vanoti paitwa nhaurirano panyaya yemitengo yezvinhu, kushomeka kwezvinhu, uye kuparurwa kwemutemo unobvumidza vanenge vachida kunotenga zvinhu kunze.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDenford Mutashu