Mhirizhonga Yotadzisa Vamwe Vatungamiriri Kuenda Kumusangano Wezvehupfumi KuSouth Africa

Musangano wezvehupfumi hwakatarisana neAfrica, weWorld Economic Forum on Africa, uri kutangidza nhasi muguta reCape Town, muSouth Africa.

Musangano uyu, uyo uchaitwa pasi pedingindira rekuti “Shaping Inclusive Growth and Shared Futures in the Fourth Industrial Revolution,” unotarisirwa kukwezva vatungamiriri venyika zhinji pamwe chete nemakambani makuru epasi pose.

Musangano uyu urikuitwa panguva iyo muSouth Africa muine mhirizhonga yekupondwa kwevanhu vekune dzimwe nyika izvo zvakonzera vatungamiriri vedzimwe nyika mu Africa kuti vasaenda kumusangano uyu.

Bepanhau reHerald rinoti mutungamiriri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa, vakatosvika muCape Town nezuro manheru.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi pa Devry University ku Ohio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe inemukana wekunzwikwa asi inofanira kukwanisa kutsanangura kune vanoda kuita zvemabhizimisi muZimbabwe kuti nyaya yemagetsi ichafambiswa sei.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naProfessor Elliot Masocha

Vanomirirra Zanu-PF muAmerica, VaFrenk Guni, vati mutungamiriri webato ravo, varizve mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaenda kumusangano uyu sasachigaro webazi reSADC rinoona nezvekudzivirirwa kwedunhu nekugadzikana kwaro.

VaGuni vati bato ravo reZanu-PF ririkutaurirana nevamwe vavo vebato ririkutonga muSouth Africa, reAfrican National Congress, kuti vaedze kumisa kurwisana kuri kuitwa uku.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrenk Guni