Hurumende, iyo iri kuti haina mari yekubhadhara vashandi, yakwanisa kuburitsa mari inosvika madhora mamiriyoni matanhatu nezviuru mazana mana yekubhadhara mari yechikoro yevana vakarwa muhondo yerusununguko.
Hurumende kubva muna 2013 yange iri kutatarika kubhadhara mari iyi.
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti zviri kuitika munengedzo wekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatotanga kuyedza kutsvaga rutsigiro musarudzo dzemuna 2018.
VaMugabe vakatarisana nedambudziko rekunetsana mubato ravo kuti ndiyani achatora chigaro chavo, nzara yapfunya chisero munyika uye hupfumi uho hwaenda kumawere.
VaMugabe vanosimboona rutsigiro rwakasimba kubva kune vakarwa hondo asi iko zvino hukama uhu hauna kumira zvakanaka sezvo vakarwa hondo yerusununguko ava vari kuratidza kuti havasi kufara zvachose negwara rotora bato reZanu-PF.
Hurumende iri kupawo vakarwa hondo ava rezinesi rekuvhima mhuka kuMatetsi kuVictoria Falls uye zvikamu gumi nezvipfumbamamwe kubva muzana mukambani ichange ichigadzira mabhazi munyika yekuchina inonzi Power Zimbabwe Ltd.
Mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya vanoti havafunge kuti VaMugabe vari kuita zvematongerwo enyika panyaya yekugadzirisa zvinhu zviri kuvanetsa panguva ino.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDouglas Mahiya