Chizvara cheZimbabwe Chofara Kusangana naNeymar Shasha yeNhabvu

  • Blessing Zulu

Isaac Nyaumba naNeymar

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaIsaac Nyaumba vanoti vari kufara zvikuru nekuwana mukana wekusangana uye kutorwa mufananidzo nemutambi wenhabvu ane mukurumbira zvakanyanya pasi rose Neymar.

Neymar, akaberekerwa ku Sao Paulo, Brazil uye zita rake rizere anonzi Neymar da Silva Santos Júnior.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaIsaac Nyaumba

Parizvino Neymar ari kutambira chikwata cheBarcelona chekuSpain pamwe neimwe shasha yenhabvu, Lionel Messi. Anotambirawo nyika yeBrazil iyyo akatungamira kuchikwata chemaUnder 23 kutora menduru yegoridhe kekutanga mumaOlympics.

Isaac naNeymar

Asi kunyangwe hazvo vakawanda varikuti mufananidzo waVaNyaumba naNeymar wakatorerwa kuVictoria Falls, ivo vaudza Studio 7 kuti wakatorwa pavanoshanda paUkutula Conservation Centre, pedyo nePretoria muSouth Africa.