MaMighty Warriors akasara aine vatsigiri vakawandisa mushure mekukwikwidza zvine mutsindo neGermany kunyange hazvo vakazorohwa 6-1 mumutambo wavo wekutanga weGroup F kuma Olympic Games.
Vakaona mutambo uyu vanobvuma kuti chikwata chemuZimbabwe ichi chakatamba zvinofadza zvekuti veGermany vacho vakange vave kutotya apo Sheila Basopo akanwisa ndokusiya zvikwata izvi zviri 2-1.
Mutsigiri wenhabvu VaSamson Chifamba vanoti vanozviti vaongoorori venhabvu nevamwewo vanotevera mutambo uyu vainyeperana mutambo usati watanga kuti maMighty Warriors aingopindawo munhandare achiita gudza mudungwe.
Panguva iyo vatarisana nemutambo wavo wechipiri ne Canada neMugovera, vemumhuri yenhabvu vanoti maMighty Warriors anofanira kungowedzera mwando zvishoma kubva pamutambo weGermany pamwe nekusatarisira vavari kutamba navo pamusoro.
Mumwe mutsigiri mukuru wemaMighty Warriors VaFarai Kambamura vanoti maMighty Warriors asatarise nhoroondo asi kuti vatambe matambiro avo emazuva ose.
MaMighty Warriors anofanira kukunda kana kuita mangane mumutambo uyu kuitira kuti varambe vachiri nemukana wekuenderera mberi nemakwikwi.
VaKambamura vanoti maMighty Warriors akangowedzera mwando zvishoma pamatambiro avakaita neGermany vanobuda nemapoinzi matatu.
Mutsigiri weDynamos VaPeter Munazvo vanoti vachitarisa matambiro akaitwa nemaMighty Warriors neGermany vari kuona maMighty Warriors achibudirira paCanada.
Mangwana, maMighty Warriors anofanira kurwa zvakasimba kuti varambe vari mumakwikwi aya.
Totarisa mitambo yemuno.
Chikwata chiri pamusoro cheFC Platinum pamwe nechirikutevera cheCaps United zvirikusangana muNational Sports Stadium neMugovera mumutambo mukuru wesvondo rino.
Kugona Kunenge Kudada yakasiya Makepekepe nemapoinzi maviri zvekuti vakakundwa maGreen Machine anobva aenda pamusoro asi vakakunda vanobva vawedzera mapoinzi avo pamusoro kusvika pamapoinzi mashanu.
Saka pamutambo uyu, pane zvakawanda zvekutambira.
Mimwe mitambo iriko ndeiyi….
Mugovera
ZPC Kariba V Ngezi Platinum Stars Nyamhunga
Chicken Inn V Chapungu Luveve
Bulawayo City V Hwange Barbourfields
Svondo
Triangle V Highlanders -Gibbo
How Mine V Harare City Luveve
Borders V Dynamos Dulivadzimu
Mutare City V Tsholotsho Sakubva
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Michael Kariati