Chikwata cheFC Platinum chawedzera mapoinzi achiri kutunganira nawo gungano reCastle Lager Premier Soccer League.
Kugona Kunenge Kudada yave kutungamira Caps United nemapoinzi mana mushure mekurova Bulawayo City 1-0 musvondo rakanwiswa zvibodzwa zvishomama shomanana nezvikwata zviri muCastle Premier Soccer League.
Zvikwata zvina chete FC Platinum, Caps United, Chicken Inn neHwange ndizvo zvakakwanisa, mimwe mitambo yese ikapera iri mangange.
FC Platinum yacho yakamirira kusvika kumagumo kuti itore mapoinzi matatu apo Rodwell Chinyengetere akanwisa kwasara mineti imwe chete kuti mutambo upere akanyaradza veruzhinji vaitsigira Bulawayo City vamwe vacho vanofungirwa kunzi vatsigiri veHighlanders.
Asi murairidzi weFC Platinum Norman Mapeza ari kuramba kubvuma kuti chikwata cheke chiri munzira yekutora mukombe achiti iye izvi vachazviona kana mitambo yapera.
Zvachakadaro, mune mufaro zvekare mumusha weCaps United mushure mekunge maGreen Machine akunda Highlanders 1-0 mumutambo wakakwezva zviuru nezviuru zvevanhu kuNational Sports Stadium nemusi weSvondo.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Michael Kariati
Caps United yairova chikumba zvakasimba kudarika Highlanders kubva mutambo uchitanga kusvika uchinopera zvekuti chainyanyotaurwa nevanhu mikana yakawandisa iyo maGreen Machine akawana ndokutadza kunwisa
Mimwe yemikana yainyanyotaurwa nezvayo ndeuyo wakatadzwa naDominic Chunga ari ega pasina kana mubati wepagedhe pamwe nepenareti yakatadzwa naDevon Chafa.
Mutsigiri weCaps United VaSamson Gondo vanoti vari kufara nekukunda chikwata chine mukurumbira ichi.
Asi vaGondo vabuda pachena kuti vari kutya matambiro ari kuita FC Platinum kuti ingangovatorera mukombe muchanza.
Vatsigiri veDynamos vakaita saVaAdam Mukwasi vaive nechivimbo nechikwata chavo kuti chave munzira yekutora mukombe mushure mekunge chatamba mitambo minomwe chisina kukundwa. Panguva iyi, VaMukwasi vakati mukombe watove wavo.
Asi VaMukwasi nevamwe vakaita savo havasisina mafungiro akadaro mushure mekunge chikwata chavo chakarasa mukana wekuramba chiri muzvikwata zviri kurwira mukombe nekuita mangane 0-0 neZPC Kariba.
Mangange aya asiya Dynamos yave kumashure kweFC Platinum nemapoinzi gum.
Mimwe mitambo yakapera seizvi..
Triangle 0 Ngezi Platinum Stars 0
How Mine 1 Border Strikers 1
Chicken Inn 2 Harare City 0
Hwange 1 Tsholotso Pirates 0
Mutare City 0 Chapungu 0
Kwatambwa mitambo gumi nemishanu, zvikwata zviri pamusoro ndeizvi..
FC Platinum 36 points
Caps United 32 points
Highlanders 31 points
Dynamos 26 points.
Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi…
Chapungu 19 points
Tsholotsho Pirates 12 points
Mutare City Rovers 12 points.
Border Strikers 7 points.
Panguva imwe cheteyo, vePremier Soccer League varonga kuti mitambo yevhiki regumi nenomwe atambwe pakati paesvondo.
Mitambo yakamira seizvi
Chitatu
Border Strikers V Bulawayo City
Harare City V ZPC Kariba
Ngezi Platinum v Chicken Inn
Chapungu V Triangle
Tsholotsho V Caps United
FC Platinum V Hwange
China
Dynamos V How Mine
Highlanders V Mutare City.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Michael Kariati