Chikwata cheZimbabwe Chogadzirira Mitambo yeRio 2016 Olympics

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zimbabwe Olympic Swimmer, Kirsty Coventry

Sangano reZimbabwe Olympics Committee rinoti gadziriro yemakwikwi eOlympics ayo achatanga mwedzi unouya kuBrazil iri kufamba zvakanaka uye vakawana rutsigiro rwakakwana kuti vakwanise kuenda kumakwikwi aya.

Makwikwi aya achatanga musi wa 5 mwedzi unouya ku Rio de Janeiro achipera musi was 21.

Chikwata che Zimbabwe chichange chine vanoita zvemitambo yakasiyana siyana vanodarika makumi matatu.

Ari kutungamira chikwata cheZimbabwe Olympic Committee kumakwikwi aya VaTitus Zvomuya vanoti vari kutarisira kuti vamwe vari muchikwata ichi vasimuke kuenda kubrazil kupera kwemwedzi uno.

VaZvomuya vanoti vari kufara kuti mutuhwini Kirsty Coventry akakwanisa kubudirira kunge ari pamakwikwi aya sezvo varikutarisira kuti akwanise kuita zvidavado pamakwikwi aya achitora menhunduru dzegoridhe.

VaZvomuya vanoti vakakwanisa kuwana rutsigiro kubva kuhurumende ne sangano rinobatsira gungano remaOlympics zvaita kuti vakwanise kuenda kumakwikwi aya.

"Zvakanyanya kuti fadza ndezvekuti vamhanyi vatambi venhabvu vechikwata chema Mighty Warriors nevamwe vemimwe mitambo vachange vachitanga kuenda kuRio kupera kwemwedzi ino kunotanga gadziriro," VaZvomuya vaudza Studio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaVa Titus Zvomuya