Vatsigiri veZimbabwe Cricket Voshushikana neMatambiro eChikwata Chavo

  • Michael Kariati

Zimbabwe-cricket-team

Zvinhu munyaya dzechikwata cheZimbabwe Cricket zvaita manyama amire nerongo uye vanotungamira matambo uyu vanenge vapererwa nemazano.

Kunyadziswa kwakaitwa chikwata ichi 3-0 mumitambo mitatu yezuva rimwe pamwe nekurohwa kwavakaitwa mumaT20 matatu neIndia kwaunza kusagadzikana mumusha mechikwata chenyika chekiriketi ichi veruzhinji vachiti chikwata ichi chave kufanira kuputswa kwovakwa chimwe.

Kunyangwe hazvo chikwata ichi chakatamba zvinotyisa mumutambo wavo wemaT20 wekugumisira uyo chakarohwa nemaranzi matatu chete, vateveri vemutambo uyu varikuti kukundwa kukundwa chete.

Vanotevera mutambo uyu varikuenda vachiita vashoma pese parikutamba maChevrons muHarare Sports Club. Mutsigiri wemutambo uyu VaKingstone Marange vanoti vanhu havasi kufara nekukundwa kwechikwata ichi.

Mumwe mutsigiri wemutambo uyu VaFarai Kambamura vanoti naivo vasvibiswa moyo nekutamba kwemaChevrons uye vave kumira kuenda kunhandare yeHarare Sports Club.

VaKambamura vanoti kuti Zimbabwe idzoke zvekare pamusoro soro payaimbove kare, chikwata chemaChevrons chiripo pamwe nevarairidzi vacho vanofanira kusiiswa basa kwotangwa chikwata chitsva.

Kune vamwewo vanotevera mutambo uyu vanofunga kuti chikwata cheZimbabwe hachichakwanisa kuramba chichitamba kiriketi yepamusoro yeTest Cricket kana kutamba nezvikwata zvisina mukurumbira zvemaAssociates sides asi kuti vave kufanira kudzika pasi pasi kuzotamba nezvikwata zvemuAfrica zvakaita sana Kenya.

Chirikunyanyorwadza vatsigiri vekiriketi hakusi kuti chikwata chavo chirikukundwa, asi maroverwo acho ndiwo arikunyadzisa zvekusvika kurowa nemawiketsi anosvika gumi, mapfumbamwe kana masere.

Mutsigiri wechikwata cheMashonaland Eagles VaZivanai Mwakatuka vanoti nguva yevatambi varipo parizvino yakwana sezvo vakura zvekuti havasisina mongo wekukwanisa kumiririra nyika zvine mutsindo.

Muteveri wechidiki wemutambo wekiriketi uyu Godfrey Musengezi anoti kunze kwevatambi vashomanana chikwata ichi chinofanira kuputswa kwounzwa vatambi vatsva vaneshungu dzekuita mukurumbira.

Asi aimbove mutungamiri wevatambi Elton Chigumbura akabuda pachena kuti iye hapana kwaanoenda chiti achiri nemakore maviri kana matatu achiri kukwanisa kutambira chikwata chenyika.

VaMwakatuka vanoti ino yave nguva yekupa maUnder 19 anga ari kuWorld Cup yevezera ravo yegore rino mukana wekutambira chikwata chenyika pamwe zvinhu zvingangosanduka.

Asi mashoko atirikunzwa arikuti vatambi vakawanda vaive muchikwata chemaUnder 19 ichi vakaenda kunotambira zvikwata zvekunze kwenyika mushure mekunge vashaiswa mukana wekutambira Zimbabwe Cricket apo vakadzoka kubva kuWorld Cup.

Studio Seven haina kukwanisa kunzwa kune mutungamiri weZimbabwe Cricket VaTawengwa Mukuhlani kuti nyaya yemaUnder 19 iyi yakamira sei.

Chikwata cheZimbabwe chirikutarisirwa kutamba neNew Zealand mumaTests maviri kuQueens Sports Club kutanga musi wa 28 Chikunguru.

Asi vanoona nezvemutambo uyu vanoti hapana chichabuda apa kunze kwekurohwa kana chikwata cheZimbabwe chikaramba chiri chiripo parizvino.

Zvichakadaro, mukuru wesangano reNational Football Association of Zimbabwe raimbonzi ZIFA VaPhilip Chiyangwa nhasi vaudza komiti yedare reparamende inoona nezvemitambo kuti havasi kuzobhadhara chikwereti cheZIFA chinosvika mamiriyoni matanhatu.

Asi komiti iyi haina kuzoenderera mberi sezvo vachiyangwa avo vange vachiratidza kurwara vati vave kuenda kuSouth Africa kunorapwa. Asi magweta anoti zviri kuitwa naVaChiyangwa hazvisi pamutemo.

Tichiri panhau dzemitambo Highlanders ndiyo yave panhongonya yePremier Soccer League mushure mekukunda Border Strikers 2-0 neChitatu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati