Mitambo yeCastle Lager Premier League Yodzoka Zvekare Mugovera neSvondo

  • Michael Kariati

Makundano enhabvu yepamusoro eCastle Lager Premier Soccer League apinda muchikamu chegumi muine mufaro mukuru kune vamwe asi kugeda geda kwemeno kune vamwe.

Vatsigiri vechikwata cheBorder Strikers vari kufara zvikuru mushure mekupihwa mukana wekuona chikwata chavo chichitamba chiri pamusha apo veNational Football Association of Zimbabwe vakatendera kuti nhandare yavo yeDulibadzimu Stadium iyo yaigadziswa yave kukwanisa kutambirwa nhabvu yepamusoro soro.

Border Strikers yanga ichishandisa Maglas Stadium kuZvishavane izvo zvanga zvichivaremera zvikuru munyaya dzemari yekufambisa pamwe nenhandare yacho iyo vatambi vavo vanga vasina kuijaira.

Chikwata ichi chakakwanisa kuwana mapoinzi matatu chete pamitambo mina iyo chakatambira muMaglas Stadium asi vanotungamira Border Strikers vari kutarisira kuwedzera mapoinzi aya pamusha pavo kutanga nesvondo apo vari kusangana neChapungu vachivimba kuti vatsigiri vavo vachazadza nhandare iyi iyo inopinda vanhu zviuru zvishanu chete

Asi muchikwata cheCaps United hamuna mufaro seuri kuBorder Strikers mushure mekunge vatambi vavo vakapedza svondo rese vachiramwa basa nemhaka yemari yavo yemuhoro yemwedzi wapera uyezve mari yavo yekukunda kwavakaita Chicken Inn iyo vasati vatambidzwa.

Mumwe muteveri wechikwata ichi VaDenford Mariyaramba vanoti havasi kushora zvakaitwa nevatambi vechikwata chavo vachiti ivo vatambi ava vane mhuri dzavanoriritira saka vanofanira kuzadzikisirwa zvavanenge vavimbiswa.

Mutungamiri wemaGreene Machine VaFarai Jere vanoti nyaya dzemari yemuhoro dzagadziriswa vachiti ivo vatambi vavo vaita gadziriro nhasi mangwanani vakatarisira mutambi wavo neMutare City kwaMutare kuSakubva Stadium nesvondo zvekare.

VaJere vanoti varikutarisira mapoinzi matatu kubva kuchikwata cheMutare City Rovers icho chirikutatarika, asi muongorori wezvemutambo wenhabvu vaSilas Mugodi vayambira Caps United kuti kunyange vari pachinhanho chechipiri, Mutare City Rovers iri pachinhanho chegumi nerimwe, hakusisina zvikwata zvidiki munhabvu ikozvino.

Caps United ikakunda inobva yaenda pamusoro pemakwikwI ePSL sezvo chikwata chirikutungamira makundano aya parizvino cheFC Platinum chisina mutambo.

FC Platinum yanga ichifanira kutamba neChicken Inn asi maGame Corks vane vatambi vanodarika vatatu muchikwata chemaWarriors chirimunzira kudzoka kubva kumakwikwi eCosafa Castle Cup kuNamibia ayo vakabuditswa munharaunda yekutanga.

Dynamos iyo yanga ichichema kushaikirwa kwayo nevatsigiri vayo vasere irimuRufaro Stadium neNgezi Platinum Stars nesvondo Lloyd Mutasa achitarisira kukunda mumutambo wake wechitatu pamina kubvira apihwa basa rehurairidzi mushure mekudzingwa basa kwaSilva.

Kunyange hazvo Mutasa arikunhonga nhonga mapoinzi, muteveri weDembare anemukurumbira, muzvare Judith Nyatsanza vanoti Dynamos haisi kunwisa zvibodzwa zvairikufanira kukanda vachitarisa mikana yakawanda yavarikuwana.

Asi mutambo wavo neNgezi Platinum Stars hauna kumira zvakanaka mushure mekunge Platinum Stars yacho yakapa basa rehurairidzi kuna Tonderai Ndiraya pakati pesvondo.

Ndiraya uyo akatambira Dynamos uyezve airairidza chikwata ichi mwaka wapera ane ruzivo nezvevatambi veDembare zvekuti achashandisa ruzivo arwu nepaanogona kuti Dembare irare.

Asi kunyange zvakadai, mumwe mutsigiri weDynamos uyezve arinhengo yeDynamos Supporters Association vaIgnatius Muchena vanoti mapoinzi matatu arikuenda kuDembare.

Mitambo yese iriko ndeiyi………….

NeMugovera

ZPC Kariba Vs Tsholotsho ---Nyamhunga Stadium

Bulawayo City VS Harare City ---Barbourfields Stadium

NeSvondo

Dynamos vs Ngezi Platinum Stars Rufaro Stadium

How Mine vs Highlanders -- Barbourfields Stadium

Border Strikers vs Chapungu -- Dulivhadzimu Stadium

Triangle United vs Hwange Gibbo Stadium

Mutare City Rovers vs Caps United Sakubva Stadium

Mitambo iyi ikapera, zvirikuratidza kuti chimwe chezvikwata izvi, Caps United, ZPC Kariba, kana Highlanders, ndicho chichange chiripamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League neMuvhuro.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati