Dynamos neHighlanders Dzotamba Mitambo Yakaoma muMukombe weZuva reKuwana Kuzvitonga Kuzere

  • Blessing Zulu

Chicken Inn vs Dynamos

Kunenge kuine makuwerere nemusi weMugovera mumasemi finals emitambo yezuva rekuwana kuzvitonga kuzere kwenyika kana kuti Independence Trophy.

Dynamos ichatamba neChicken inn ukuwo Highlanders ichitamba neFC Platinum.

Mitambo iyi yapa kuti mitambo yeCastle Premeir Soccer League yange ichifanira kutambwa mukupera kwesvondo imbosendekwa parutivi.

Mitambo iyi iri kuratidza kuti ichanakidza nekuti pamitambo yeleague yakatambwa svondo rapera nemasvondo maviri apfuura, zvikwata izvi zvakambotamba zvose. Svondo rapera FC Platinum yakakunda Highlanders 2-1 ku Barbourfields.

Masvondo maviri apffura munhandare imwe cheteyo, Chicken Inn yakakunda Dynamos 3-0.

Nyanzvi munhau dzemitambo VaMuziwethu Hadebe vanoti mitambo iyi machikichori chaiwo kuvatsigiri venhabvu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMuziwethu Hadebe