Sachigaro wechikwata cheDynamos VaKenny Mubayiwa varamba mashoko ekuti vadzinga murairidzi wevakomana vepagedhi VaGift “Umbro” Muzadzi.
Muchikwata cheDynamos mune kunetsana kwakanyanya pakati pevarairidzi vechikwata ichi uye vatsigiri vacho. Mutauro wakatanga pakakundwa Dynamos 3-0 neChicken Inn mumutambo wekutanga.
Vamwe vanoti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa basa nemurairidzi wechikwata ichi VaPaulo Jorge Silva avo vari kunetsana zvakanyanya naVaMuzadzi.
Svondo rapera Dynamos yakaita mangange 0-0 neTriangle uye Svondo rino iri kutamba nechikwata cheMutare City. Pakapera mutambo weTriangle vamwe vatsigiri vakaratidzira vachiti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa basa naVaMuzadzi vachiti vari kuvhiringidza VaSilva kuita basa. Asi VaMuzadzi vanoti VaSilva vane rusarura ganda.
VaMubayiwa vaudza Studio 7 kuti parizvino havasi kutirimuka nekuti Dynamos sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga inotanga nekumbodyiwa mitambo yekutanga asi panopera mitambo mina inenge yotamba zvine mutsindo.
Mamiriro akaita Castle Premier Soccer League 2016
|
Clubs |
MP |
W |
D |
L |
GF |
GA |
+/- |
Points | |
|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|
|
Chicken Inn |
2 |
2 |
0 |
0 |
4 |
0 |
4 |
6 | |
|
FC Platinum |
2 |
2 |
0 |
0 |
4 |
2 |
2 |
6 | |
|
CAPS United |
2 |
1 |
1 |
0 |
4 |
1 |
3 |
4 | |
|
Ngezi Platinum |
2 |
1 |
1 |
0 |
4 |
1 |
3 |
4 | |
|
How Mine |
2 |
1 |
1 |
0 |
4 |
2 |
2 |
4 | |
|
Triangle |
2 |
1 |
1 |
0 |
1 |
0 |
1 |
4 | |
|
Harare City |
2 |
1 |
0 |
1 |
4 |
2 |
2 |
3 | |
|
Highlanders |
2 |
1 |
0 |
1 |
4 |
2 |
2 |
3 | |
|
Tsholotsho |
2 |
1 |
0 |
1 |
2 |
2 |
0 |
3 | |
|
ZPC Kariba |
2 |
1 |
0 |
1 |
2 |
2 |
0 |
3 | |
|
Chapungu |
2 |
1 |
0 |
1 |
2 |
3 |
-1 |
3 | |
|
Bulawayo City |
2 |
0 |
1 |
1 |
2 |
3 |
-1 |
1 | |
|
Dynamos |
2 |
0 |
1 |
1 |
0 |
3 |
-3 |
1 | |
|
Border Strikers |
2 |
0 |
0 |
2 |
0 |
3 |
-3 |
0 | |
|
Hwange |
2 |
0 |
0 |
2 |
0 |
5 |
-5 |
0 | |
|
Mutare City |
2 |
0 |
0 |
2 |
1 |
7 |
-6 |
0 |