Misoro yeNhau – Chitatu, Ndira 6, 2016

Vashandi vehurumende voita musangano nehurumende pamusoro pemari dzavo dzemihoro, mabhonasi, pamwe nedzimwe mari itsva dzavava kubatirwa mwedzi wega wega….

Vagari vekuChitungwiza nemasangano akazvimirira voshora zvakadzama muitiro wemapurisa nezuro wakasiya vanhu vakawanda vakuvara vachiti mapurisa anofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu dzakachengetedzwa nebumbiro remitemo yenyika….

Vagere kunze kwenyika votaura pamusoro pemaomero akaita zvinhu muZimbabwe…..

Paramende yobuda nemurawo mutsva unosungira vatori venhau vanoshanda vari muparamende kuti vaferefetwe nevasori vasati vapihwa mvumo yekushandira muparamende.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa mhirizhonga pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kwakaitika kuChitungwiza apo mapurisa akashandisa chisimba pavatyairi vemakombi vairamwa mabasa murunyararo.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yevoa Shona.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau, Chitatu, Zvita , 06, 2016