Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu Chivabvu 13, 2016

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzedu dzanhasi Chishanu, - Chivabvu 13, 2016

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti vava kudaidza vose vakaburitsa mari kunze kwenyika kuti vatsanangure kuti zvakafamba seyi.

Vagari vekuChitungwiza vanosungwa nemapurisa pamwe nekukuvara pamusangano wavanga vachida kuita naVaKasukuwere nhasi.

Mamwe madzimai makumi maviri nemumwe votarisirwa kusvika munyika vachibva kuKuwait uko vaioneswa chitsvuku.

Dynamos ne FC Platinum dzosangana neSvondo muRufaro Stadium

Muchirongwa cheLiveTalk, tiri kutarisa nyaya dzehuori munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu Chivabvu 13, 2016