WFP Yoshandisa Nzira Itsva Inopedza Matongerwo eNyika paNyaya yeChikafu

  • Blessing Zulu

Sangano reWorld Food Programme, WFP, rinoti richange rave kuunganidza mari yekubatsira Zimbabwe uye kuendesa chikafu chacho nerubatsiro kuvanhu mbune kuyedza kumisa nyaya yekuita zvematongerwo enyika mukugoverwa kwechikafu.

Mashoko aya akataurwa nemukuru weWFP muZimbabwe, VaEddie Rowe, muHarare neMuvhuro apo vainge vachiparura chirongwa chekutsvaga homwe yemari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu nematatu ichashandiswa kwemakore mashanu anotevera kubatsira Zimbabwe.

WFP inoti ichashanda nemasangano akazvimirira oga kuona kuti hamuna zvematongerwo enyika munyaya dzerubatsiro. Mashoko aya anoteverawo gwaro rakaburitswa neZimbabwe Human Rights Commission gore rapera kuti vamwe vemapato anopikisa vanonyimwa chikafu.

Zimbabwe yave nemakore akawanda ichitatarika kuwana chikafu kubva zvayakaparura chirongwa chayo chekupa varimi vatema minda. Vanhu vashoma vari vakuru vakuru muhurumende ndivo vanonzi vakabva vatora mapurazi akawanda.

Zvinofungidzirwa kuti vanhu vanosvika zvikamu makumi mana kubva muzana pavanhu mamiriyoni gumi nematatu vemuZimbabwe vanoda chikafu nechimbi chimbi.

Muukuru werimwe sangano rinoshanda neWFP reOxfam VaMachinda Marongwe vanoti vane zvigaro mumapato ezvematongerwo enyika havasi kuzobvimidzwa kugovera vanhu chikafu.

Vati vari kushanda nevagari vemunharaunda kuona kuti vapa vanhu vanokodzera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMachinda Marongwe