MISA-Zimbabwe Inotarisira Kushanda Zvakanaka Nehurumende

Vatori venhau havabatwi zvakanaka nehurumende munyika zhinji

Sangano rinomirira vatori venhau, reMISA Zimbabwe, rinoti rinetarisiro kuti hurumende ichashanda zvakanaka nevatori venhau.

Zvichitevera kucherechedzwa kwezuva rekutorwa kwenhau zvakasungunuka, kana kuti World Press Freedom Day, nezuro, vanoona nezvemitemo musangano reMISA-Zimbabwe, muzvare Nompilo Simanje, vaudza Studio 7 kuti hurumende yakatobvuma kuti vatori venhau vane basa rinokoshazvikuru munyika.

Vati vanetarisiro kuti hurumende ichawedzera kuremekedzadza kwayo vatori venhau, kuti vashande vese zvakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Nompilo Simanje