Vakawanda Vozeya Zvakaipira Kuvakira Mumatoro

  • Jonga Kandemiiri

Dorothy Wakeling of the conservation group Harare Wetlands Trust says people are disturbing wetlands which are supposed to be gradually releasing water into the city’s water bodies.

Vamiriri vehurumende, vemakanzuru, vemasangano anomirira vagari, magweta anorwira kodzero dzevanhu pamwe nevanochengetedza zviwanikwa, neChipiri vakapinda musangano wezuva rimwe wekutsvaga nzira dzekuchetedza nadzo matoro kana kuti wetlands muguta reHarare pamwe neChitungwiza.

Vakapinda musangano uyu vakakomekedza zvikuru kuti panofanirwa kuitwa dzidziso muvagari yekuvadzidzisa kuchengetedzwa kwenzvimbo idzi nekukasika uye kuti nzvimbo idzi dzingacherechedzwa sei kuitira kuti dzisavakwa sezvakaitwa dzimwe dzakatoparadzwa nekuda kwekusachengetedzwa kwemitemo inobata matoro.

Vakapinda musangano uyu vaisanganisira vekanzuru yeHarare, ve Environmental Management Agency, EMA, vebazi rezvekutongwa kwematunhu, ve Upper Manyame Catchment Council, vekanzuru yeChitungwiza, veHarare Residents Trust, Zimbabwe Lawyers for Human Rights pamwe neve Harare Wetlands Trust.

Uyu musangano unonzi ndemumwe wemisangano yagara ichiitwa nemapoka aya mukudzivirira kuparadzwa kwematoro.

Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vakafadzwa zvikuru nekupindwa kwakaitwa musangano uyu nevakuru vemakanzuru pamwe nemutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu, Amai Marian Chombo, vachiti zvinoratidza kuti mapoka ose abatana mukuwirirana kuti nzvimbo idzi dzichengetedzwe.