Makakatanwa Oenderera Mberi muMDC-T

Muzvare Thokozani Khupe naVaNelson Chamisa

MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti dunhu reBulawayo rakanyorera kuhofisi huru yebato iri ichiti Amaie Nomvula Mguni, avo vari mupararmende, nakanzura we Ward 15, Muzvare Thamani Moyo, vadzingwe mubato iri.

Studio7 haina kukwanisa kubata Muzvare Mguni naMuzvare Moyo kuti tinzwe mativi avo.

Asi vakafanobata chigaro chemutauriri weMDC-T, Muzvare Tabitha Khumalo, vanoti dunhu reBulawayo rakaita izvi mushure mekunge Amai Mguni naMuzvare Moyo vabuda vega pachena kuti vanotsigira Muzvare Thokozani Khupe, avo vakadzingwa mubato iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Thabitha Khumalo

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaObert Gutu, vanoti zviri kuitwa nechikwata chaVaNelson Chamisa kupedza nguva yavo nekuti Muzvare Khupe ndivo vane bato riri pamutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu