VaIan Kay Voomeserwa Kushora Vakuru veBato

  • Blessing Zulu
Bato reMDC-T rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rave kusimbisa hurongwa hwaro hwekumisa nhengo dzebato iri dzinenge dzichishora VaTsvangirai mumapepanhu kuburikidza nekudziranga nekudzimisa kuva nhengo.

Dunhu reMashonaland East rinoti riri kumisa uye kutorera matanho vaive mumiriri webato iri muMarondera Central, VaIan Kay, vachivapomera mhosva yekuti vakaudza mapepanhau kuti VaTsvangirai ibhaudhi rave nengura uye rinoda kubviswa.

Asi VaKay vanoti mukushora kwavo vamwe vakuru vebato havana kudoma zita remunhu.

Bato iri rinotiwo nhengo dzaro dzestanding committee dziri kuita hurukuro nemubati wehomwe webato iri ari muhupoteri muSouth Africa, VaRoy Bennett.

Bato iri ramisawo kuva nhengo mameya uye makanzura vachinzi vakazvidza vakuru nekuvhota pamwe nemakanzura eZanu-PF musarudzo dzemameya.

Mutauriri webato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti havarambidze vanhu kutaura nezvekuti ushe madzoro asi vanoti zvinofanira kuitwa negwara.

Kubva zvakapera sarudzo dzakakundwa MDC-T neZanu-PF, mubato iri munenge mogara muine bopoto.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaIan Kay


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora