VaTsvangirai Voita Musangano neVaTsigiri Vavo kuChiredzi

  • Blessing Zulu
Mutungamiri wehurumende varizve mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai vanenge vari muChiredzi ne Mugovera vachiparura chirongwa chebato ravo chekutanga kutsvaga rutsigiro sezvo nyika yotarisira kuita saudzo gore rino.

VaTsvangirai nevamwe vakuru vebato ravo vanenge vari kuTshovani Stadium uye bato ravo rinoti riri kutarisira kuti vatsigiri varo vakawanda vachauya kumusangano uyu.

Mumasho aro kuvatori venhau, bato reMDC rinoti VaTsvangirai vachataura nezvebumbiro remutemo uye kukurudzira vanhu kuti vavhote. MDC inotiwo iri kuparura chirongwa chekupinda mudzimba dzevanhu vachikurudzira kuti vanhu vavhote.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemabasa mubato iri VaNelson Chamisa vange vari kuMucheke Stadium kuMasvingo neChishanu vachiparura chirongwa chekupinda mudzimba dzevanhu vachitsvaga rutsigiro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa