Nhengo Nhatu dzeMDC-T Dzobhadhariswa Chibatiso

  • Alfred Jean
    Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Nhengo nhatu dzebato re MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dziri kupomerwa mhosva yekuponda mupurisa mu Glen View, dzapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso neChitatu.

Vapihwa mukana uyu ndiVa Last Maengahama, VaTungamirai Madzokera, pamwe naMuzvare Yvonne Musarurwa.

Vanhu ava vanga vachirambirwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kubva muna 2012.

Vatatu ava vamwe venhengo makumi maviri nepfumbamwe dzebato iri dzakasungwa dzichipomherwa mhosva yekuponda mupurisa.

Asi vamwe vakaregererwa gore rapera, avo vanosanganisira mukuru wevechidiki, VaSolomon Madzore.

Rimwe remagweta ari kumirira vatatu ava, Va Jeremiah Bamu, vanoti vasungwa vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare musi wa 24 Kukadzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Jeremiah Bamu