Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti danho rakatorwa nemutungamiri weMDC Alliance rekuvandudza hutungamiri hwebato iri pamberi pesarudzo dza2023 chinhu chakanaka chose uye zvinoratidza kuti bato iri hharisati rapera kunyange hazvo riri kuedza kumbuchikidzwa neZanu PF.
Izvi zvinotevera danho raVaChamisa svondo rapera neChishanu revakavandudza hutungamiri hwemakomiti epamusoro mubato ravo eNational Standing pamwe neNational Executive.
Vamwe vanonzi vakapinzwa muNational Standing Committee vanosanganisira VaLast Maengahama, avo vakadomwa semunyori anoona nezvegwara remusangano kana kuti Policy and Research, vachitevedzerwa naAmai Jesman Tofa.
VaMaengahama vakaita makore akawanda vari muhusungwa vachipoerwa mhosva yekuuraya mupurisa, VaPetros Mutedza, asi vakazochenurwa nematare edzimhosva.
VaDaniel Molokele vanonzi vakadomwa kuve mutevedzeri wemubati wehomwe, kuchitiwo VaOstalos Siziba vachidomwa kuve mumwe wevatevedzeri vemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko, chigaro chaive naVaClifford Hlatywayo.
VaHlatywayo vanonzi vakapiwa bazi idzva rinoona nezvezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, kana kuti Diaspora Affairs and Operations.
Vamwe vakapinda muNational Executive Committee yeMDC Alliance vanosanganisira VaPromise Mkwananzi, VaLlewellin Sibanda, VaJames Gumbi, naVaCaston Matewu.
Mutauriri waVasChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda vati vanga vasati vave kukwanisa kutaura nezvenyaya iyi sezvo hurongwa hwekuvandudza hutungamiri uhwu huchiri kuenderera mberi husati hwapetwa.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaRerjoice Ngwenya, vanoti zvakaitwa naVaChamisa chinhu chakakosha zvikuru kuvandudza bato ravo pamberi pesarudzo sezvo izvi zvichisimbisa bato ravo pamberi pesarudzo dza2023.
VaNgwenya vanoti chakanaka chakaitwa naVaChamisa kusanganisa vechidiki nevechikuru vanehunyanzvi mukufambiswa kwemabasa mubato iri.
Panyaya yekuumbwa kwebazi reDiaspora Affairs and Operations, VaNgwenya vanoti MDC Alliance inofanirwa kuchiratidza musiyano neZanu PF nekubatsira vana veZimbabwe vari kunze kwenyika nekuzadzisa zvichemo zvavo zvakaita sekuvhota zviri munyika dzazvigere kuburikidza nekuenda kumasangano akaita seUnited Nations, African Union neSADC.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRejoice Ngwenya