MDC Alliance Inosendeka Musangano Wayo wekuKwekwe

  • Taurai Shava

Vatsigiri veMDC Alliance vanonzi vashungurudzika zvikuru nekusaitwa kwemusangano webato ravo muKwekwe.

Kunyange hazvo mutauriri wemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa, Doctor Nkululeko sibanda vakanga vapika kuti mubatanidzwa wavo uchaenderera mberi nemusangano wekutenda vanhu kuKwekwe, bato iri harina kuzoita musangano uyu mushure mekunge warambidzwa nemapurisa.

Mapurisa akarambidza musangano uyu achiti paityirwa kuti vanhu vakaungana vaizogona kuparadzira chirwere chemanyoka che Typhoid, icho chinonzi chiri kufungidzirwa kuti chiri mudunhu iri.

Vanofungidzirwa kuti vasori, mapurisa ange asina kupfeka nhumbi dzavo dzebasa pamwe nemasoja vaonekwa vachitendereratenderera panzvimbo yange ichifanirwa kuitirwa musangano nemubatanidzwa uyu kubvira panguva dzemangwanani, vamwe vevatsigiri vebato iri vachiti havasi kufara nekurambidzwa kwemusangano uyu nemapurisa.

Pasvika Studio 7 panzvimbo yeMbizo 4 Shopping Centre panguva dzekuma 10 mangwanai veruzhinji vange vachiita mabasa avo semazuva ose. Asi pane motokari yemasoja yange yakamiswa mukati me durawall yechimwe chitoro uye masoja vasori pamwe nampurisa ange asina nhumbi dzebasa vane chitsama vange vachitenderera panzvimbo iyi.

Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vange vachifanirwa kutaura pamusangano uyu uyo wange uchifanirwa kuve musangano wavo wekutanga mushure mekugadzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika.

Asi nemusi weChina mapurisa akati musangano uyu waisafanirwa kuenderera mberi nekuda kwekuti paityirwa kuti kuungana kwevanhu kwaizobatsira kuwedzera kupararira kwechirwere cheTyphoid.

VaAmos Chibaya, murongi wemisangano mumubatanidzwa weMDC Alliance, avo vambosvika panzvimbo yange ichifanirwa kuitirwa musangano uyu, vati vaita izvi kuti vaone kuti vatsigiri vavo vatevedzera kurudziro yemapurisa yekuti vanhu vasaungane.

VaChibaya vati nemusi weChishanu bato ravo rakakwidza chikumbiro chechimbi-chimbi kudare reHigh Court chekuti musangano wavo uyenderere mberi asi dare rakati raizonzwa chikumbiro ichi mangwana Muvhuro.

Vamwe vatsigiri vebato reMDC Alliance vataura neStudio 7 vati vatsamwisa zvikuru nekurambidzwa kwakaitwa nemapurisa musangano uyu vachitiwo havazi kufara nekwavati kuve pachena kwekupindira kwevechiuto kuri kuramba kuchiitika mune zvematongero enyika.

Mumwe wevanhu ava ndiVaTawanda Mukurazita, avo vati vange vakatarisira kuona VaChamisa kuti vanzwe kuti vanoti chii neramangwana rebato nenyika.

Mumwewo mutsigiri, uyo angozvidoma nezita rekuti Tanyaradzwa, ati kunyange hazvo ange akanzwa nezvekurambidzwa kwemusangano uyu, nekuda kwechidokwa-dokwa chekuda kunzwa kubva kumutungamiri webato rake ange auya achifunga kuti pamwe musangano uyu waizoenderera mberi.

VaJeremiah Nyika vanove sachigaro weWard 5 muMbizo vati vatsigiri vakawanda vebato reMDC vachiri kurwadziwa nemabatirwo akaitwa nyaya yesarudzo nedare re Constitutional Court, vakati zvakakosha kuti hurumende isarambe ichivashungurudza nekurambidza kuti bato ravo risaite misangano.

VaChibaya vati kana dare rikati musangano wange uchifanirwa kuitwa nhasi uenderere mberi vachaona kuti vouita riinhi sezvo bato ravo rakaronga kuita mimwe misangano munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika mumazuva ari kutevera.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Taurai Shava