Bato reMDC Alliance nemusi weChitatu rakaita musangano waro wakakosha weNational Standing Committee uyo wakagamuchira magwaro akakosha kubva kumutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, pamwe nemunyori mukuru webato iri, VaCharlton Hwende.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti nyaya dzakazeyiwa dzinosanganisira kudzingwa kwenhengo dzebato iri mudare reparamende, kuda kukurudzira kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo, kuda kudzingwa kwevanhu vekuChilonga nezvimwe.
Bato reMDC Alliance riri kupomera bato reZanu-PF mhosva yekukonzera kusagadzikana mubato iri nekuva nechekuita nekudzingwa kwenhengo dzaro mudare reparamende.
Asi mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vari kuramba kuti bato ravo rine chekuita nekudzingwa mudare kwenhengo dzeMDC Alliance.
Tabata VaHlatywayo kuti tinzwe zviri kuitika mubato iri.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaClifford Hlatywayo